Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Classic Header

{fbt_classic_header}

Top Ad

Advertise Here

Breaking News:

latest

Mubereki Ndonda: Kurerera Mwana nemaJiggies Here?

Harare – Vamwe vanoati mazepie – asi vazhinji hatishandise zita chairo rekuti masnacks.  Zvisinei, regai ndireurure zvandakaona pamhuno sef...

Harare – Vamwe vanoati mazepie – asi vazhinji hatishandise zita chairo rekuti masnacks. 

Zvisinei, regai ndireurure zvandakaona pamhuno sefodya neangu meso pasina guhwa pamusoro pechikafu chapfumbira ichi.

Chiramwiwa – mwana wasahwira wangu wepedyo atova wachi yemana rose. Chokwadi papwere iyi chakabaya chikatyokera – rwatova rumbo – zvotoda godobori kutakanura. Zuva roga-roga, anofumira mambakwedza achikwetsura mhere ine maungira.

By @Comic24Derick 

Gare gare, unozonwa baba vake vozhamba voti: “Mupei mari yacho atenge zvaanoda anyarare, angarambe achitinyaudza,” vanodaro vakandiswa mapfumo pasi nendumure iyi. Ruzha rwatadzisa vavakidzani kurara nderwemajiggies.

Dzimwe ndumure dzezera rake padzinokambura bota rinopa hutano – Chiramwiwa anenge akati zete pamushana achindonyera hake majiggies. Tarira uone achinanzvira nekunakirwa – irwo rute, mabori, mbovha, misodzi nemadzihwa, chatova chimwe chikafu.
Kurera Mwana nemaJiggies Here?
Rimwe ramazuva ndakabvunza sahwira wangu – baba vaChiramwiwa vakanditi: “Akatojaira kumuka achidya majiggies kubva ari mudiki. Iye zvino zvava kutonetsa kuti timurumure. Pamwana uyu, chakabaya chikatyokera mwachewe.”

Ndinorangarira ndichikura, waitova mutemo wemumba kuti mwana wose anodya bota achibva kumuka. Veutano vanoti zvinoitirwa kupa mwana simba rinodikanwa pakutamba, nekukura kwake kwakanaka. 

Kunyangwe mazepie achinaka pamururimi, asi haana utana hunopfuura chikafu chinobikwa mumba. Uye zvimwe zvinogadzira masnacks aya zvinogona kusawirirana nemwana, zvikakonzera urwere.

Nyaya yaChiramwiwa yakandifungisa hupenyu hwedu semaKristu pasi rino. Unoona kuti kuya kunovimbiswa vanamati zvinhu zvakaita semiracle money, mota, dzimba nekuporofitwa vachiudzwa zvinoda mwoyo yavo – zvakada kufanana nemwana anorerwa nemajiggies – ndiko kwatinomhanyira. Chokwadi, chakabaya chikatyokera. Hongu, kukura mwana angakura, asi hutano hwakanaka hapana.

Mutendi ungave nemaguchu eanointed water, oil kana underwear asi chakakosha kunamatira mweya wako. Bhaibheri roti: chii chakakosha kuva nezvose zvapanyika asi worasikirwa neumabo hwekudenga. Pafunge? 

Moto wamapepa hama yangu unobvira kudarika wematanda – asi haubike sadza kana pungwe. Minana yaunoda iyo ichapera, asi Mwari vanorarama nekusingapere. Ramba kuita gudzamudugwe.

Shoko raMwari haripo kufadza nekutekenyedza, asi inzira yedenga. Maanointed bracelets akanaka asi haasi iwo anoendesa mweya wako pedyo naMwari. Hama yadiwa rega kunamata zvinonaka, zvinobatika zvinokutadzisa kuona denga. 

Siyana nekutevedza maporofita, nekuti ivo vanotodawo kuponeswa kuti vawane upenyu husingapere – vanoda bota rine hutano kwete majiggies avari kupakura ayo.

Ukazvifunga: satani anoita sinjonjo nehwako upenyu achikuitisa zvisina shumo. Kuraradza, kuita dungwe remadzimai kana varume, kuteedza minana nemashope-shope, uchiita guhwa usina kana kugeza, pedzezvo – chabuda hapana. 

Pundutso kwauri neramangwana hapana. Kana wakadai, zvino wasiyana papi naChiramwiwa – anoramba bota rine utano achida majiggies.

Majiggies, nezvimwe zvikafu zvinonhuhiwirira avinoiswa mumapepa akanaka, opihwazve mazita anokwezva mwoyo, asi hutano hushoma. Yeuka kuti, guyu kunaka haro kunze asi mukati rizere masvosve. Chenjera kuti mweya wako unoremadzwa nevavaunotenda – vanoita sevanokuda – asi ivo mari mapere akapfeka masuit achifamba nemaBenz.

Yambiro: kanda pasi zvekunamata munhu wenyama ukudze Musiki. Jesu ndiye chete akafira zvitadzo zvako pamuchinjikwa – kwete prophet. Ishe wedu ane rudo nesu, haatiregere tichitevera zvisina maturo, zvinotiendesa kunoparara – kugehena. 

Newewe, nhasi rumurwa kubva pamajiggies udye zvinopa hupenyu.


Tinzwei Is A Worth Voyage For Those In Pursuit For Up-To-Date World Events.

Read More At The Online Coronavirus Portal Or Use The 24-Hour Public Hotline:
South Africa: 0800 029 999 or just Send Hie to 0600 123 456 on WhatsApp


No comments