Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Classic Header

{fbt_classic_header}

Top Ad

Advertise Here

Breaking News:

latest

Mupfuhwira Rudo: Kudyiswa neaNokuda, Unonzwa Sei?

Harare – Vakandiziva makare angu vonditi ndava zuru rakapinda nyoka – handipikise. Kareko, ndaiti ndikada zvekuraradza, kazhinji ndaizouya ...

Harare – Vakandiziva makare angu vonditi ndava zuru rakapinda nyoka – handipikise. Kareko, ndaiti ndikada zvekuraradza, kazhinji ndaizouya kumba ndakatakurwa nekudhakwa. Zvekudya ndaizomanikidza kana muviri worwadza – zvimwe zvichongobuda zvoga.

Vakambondiona ndakasungwa mbira dzakondo nemhamba vanoti ndakambonhongwa ndichitorova ngonono pamatama enzira. Vakanditakura vakandisiya ndava mumba – mudzimai wangu akangoti kanha nazvo – mwoyo wazvimba neshungu. Ko aigodii? Chakanga chabaya chikatyokera panyama nhete.

tinzwei.com 
Ndinobheja hapana bhawa, shabhini, nzvimbo yemafaro yandakasiya kana doro randisina kudzvuta neyangu huro. PaMufakose kachasu ndakakwekweta hwahwa hwemasese hwapera parufu.

KuMbare namukoma Gunfire takashapira hwematanda pairohwa guva reimwe chembere yatisina kuziva mutupo wayo kusvika tararadza. Hwemabhotoro taihukasva mumahotera akatekeshera neHarare yose tichinzi vana mari matombo.

Handikanganwe paJoni ndakabatwa huro nehofori yerume, mumwe wacho aiva namaoko ainge akazorwa derere, akasvotora chikwama nefoni zvine unyanzvi – ndakasara ndisina kana kobiri rinoti kweche muhomwe. Apedza ndakatura befu – ndikangiti chikuru kufema. Ndakazofonera shamwari yakazondipa mari yekupedzisa rwendo rwakanga rwarumwa negurwe nekuda kwemhamba.
Kudyiswa NeaNokuda, Unonzwa Sei?

Zino rangu rekumatadza rine umbowo hwekuraradza kwangu. Musi uyu nadakapona nenyasha dzedenga – asi chokwadi handizive kuti ndakatakanurwa sei panyanga dzamushore. Takanga tiri mune imwe night club muPretoria. Doro raiyerera semvura, mari ari mapepa sezvo takanga tatambira iri Friday. Gare-gare, chembere nemvana dzaivamo dzakatanga kuita mahandara, doro roita semvura yeguvi – ndakazoyeverwa nevamwe sisi.

Hama dzadiwa doro ndimambara, regai ndireve. Takazobuba mubhawa takabata maoko setaive murudo, ini ndichingotevera sepwere – kwaiendwa kwaizivikanwa nasisi vehusiku ava. Zvakaitika kumba kwavo zvikangatore mavara mazhinji – asi imba yatakapinda yaitengeswa madrugs – nechidimbu – waiva muzinda wembavha nepfambi – Sodom neGomorrah. Pakupinda waibhadhara pamusiwo uye paichengetwa nefondimbwe dzerume.

Pandakazobuda pamusha uyu, ndakadoedza kutsvaga kwandakanga ndabva nako, asi nadakashaya. Ndakatenderera semunhu anotanda botso, asi handina kupawana. Ndinoyeuka ndichipepuka rungwana-ngwana ndakarara pedyo nerobot. Handizive zvakaitika – asi ndinofunga ndakarakashwa pashaya nesimbi ndokuoma ndakadaro.

Mari nezvimwe zvakatorwa zvose, kusara kwepassport yangu yaiva muhomwe yemukati. Ndafefemuka, ndakananga kumba netsoka, zuva richirova nhongonya – musoro chava chigayo. Kunyangwe ndakapona patsaona dzose idzi, doro nezvizukuru zvaro handina kusiya.

Mugore ra2012 ndakasvitsa makore 17 ekunwa hwahwa. Zvekare mudzimai akanga akazvitakura. Shamwari yangu yandainwa nayo yakadeedzera muchato. Zuva resvitsa iri ndakatadza kunwa hwahwa zvandakanga ndisati ndamboita hupenyu hwangu. Hwakasara ndakatakurira vamwe. Kana ivo vakashamiswa nazvo nekuti ndaiva musiya dzasukwa.

Nhumbu yakazorwadza pakati pehusiku. Ndakazama zvose asi nadakapererwa mukadzi wongoshanyarika nemarwadzo. Ambulance yakati iri munzira asi yakanga yanonoka, nhumbu yakanga yoda kuponwa. Ndakazofonera George – shamwari yeckuchechi kwandakanga ndatendeukira. Neguva diki akasvika nemota yake tikaenda kuchipatara. Adzimai vakazobatsirwa mapremature emapatya manheru acho.

Mazuva aitevera vana vakaiswa munursery nekuti mapapu akanga asina kusvika. Hama ndakaona chisionewkwi hujaya nehumhandara wevabereki gore iri. Hupennyu hwemhuri yangu hwavakava hwemuchipatara zuva nezuva. Shamwari dzangu dzedoro hapana wandakaona asi vechechi vakamira neni paminamato.

Chitsauko ichi chakandirangaridza bible parinoti: huyai mose makaremerwa muwane zororo. Vehama ndakapererwa nezano asi Jesu wakandipa chimwe chivimbo neupenyu. Vandaidya navo tichinwa mari yagu vakandiramba saThomas, asi Musiki akandiyeuka akandipa chikafu chemufaro kubudikidza nehama dzekuchechi.

Kubva Nyamavhvhu muna2012 – pazvarwa mapatya aya, handisati ndambodzvuta zvinokora zvachose. Jesu wakandipa chimwe chikafu cheshoko rake rinoraramisa nekusingapere kwete mafarao epasi rino – idova. Ropa raJesu hama ndiwo hupenyu – mugamuchire nhasi ufambe naye mazuva ose.


Tinzwei Is A Worth Voyage For Those In Pursuit For Up-To-Date World Events.

Read More At The Online Coronavirus Portal Or Use The 24-Hour Public Hotline:
South Africa: 0800 029 999 or just Send Hie to 0600 123 456 on WhatsApp


No comments